1 Samuel 20:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jonatani akati kunaDavidi: Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehova, ticiti: Jehova ucaʋa pakati paŋgu newe, napakati paʋana ʋaŋgu naʋako nokusiŋgaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, uye Jonatani akadzokerawo muguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Ufambe zvakanaka, maererano nokutsidzirana kwatakaita muzita raTenzi tichiti, ‘Tenzi ngaave nesu pauviri hwedu, avewo nezvizvarwa zvedu narini narini.’ ” Dhavhidhi akasimuka ndokuenda, Jonatani ndokudzokera zvake kuguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, ‘Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.’ ” Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
Shona 2009?
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, `Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.' " Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
Shona SUB 2002 Bible
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, ‘Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.’ ” Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.