1 Samuel 20:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ɓaɓa ʋako ʋakandishaiwa, uti kwaʋari: Davidi wakakumbira ɀikuru kwandiri, kuti amhanyire Beti‐rehemi, kuguta rake; nokuti ikweyo kunoitwa ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe caʋose ʋeimba yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana baba vako vakazviona chaizvo kuti handipo, wovataurira kuti, ‘Dhavhidhi andikumbirisa chaizvo kuti ambomhanyira kuBheterehemu kuguta rokwake nokuti kuri kuitwa chibayiro chavo chomusha wose chepagore,’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, ‘Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.’
Shona 2009?
Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, `Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.'
Shona SUB 2002 Bible
Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, ‘Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bhetirehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.’