1 Samuel 21:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋaAkishi ʋakati kwaari: Ko uyu haazi Davidi mambo wenyika here? Haazi iye waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Ko, haazi iye wavanoimba nezvake vachifamba, vachiti: “ ‘Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake’?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi makurukota aiye Akishi akati, “Haasiri iye here Dhavhidhi mambo wenyika iya uyu? Haasiye here wavanoimba vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru. Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake?’ ”
Shona 2009?
Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, "Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,`Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake?’ ”