1 Samuel 21:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaAhimereki muprista: Mambo wakandiraira ɓasa, akati kwandiri: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋa cinhu ceɓasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusoŋgana neni paneimŋe nɀimbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akapindura Ahimereki muprista akati, “Mambo akandirayira rimwe shoko akati kwandiri, ‘Hapana anofanira kuziva kana chinhu pamusoro pezvawafambira uye zvawarayirwa.’ Asi kana vari vanhu vangu, ndakavataurira kuti vasangane neni pane imwe nzvimbo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti, “Pane zvandinazvo zvandatsindidzwa namambo. Vanditi, ‘Rega zvako kuwana waunotaurira kana kai zvako pane zvandakutuma kundoita.’ Ndaronga kuti ndionane namamwe majaya kune imwewo nzvimbo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, “Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, ‘Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.’ Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki muprista, "Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, `Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.' Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, “Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, ‘Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.’ Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.