1 Samuel 21:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muprista akapindura Davidi, akati: Hapaneciŋgwa cinosidyiwa muruʋoko rwaŋgu, asi ciŋgwa citȿene ndico ciri’po; kwoga kana majaya akaɀidzora kuʋakadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muprista akapindura Dhavhidhi akati, “Handina chingwa zvachowo pano; asi pano pane chingwa chakatsaurwa, ndokunge vanhu vakazvichengeta kubva kuvakadzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi uyu akapindura Dhavhidhi achiti, “Chingwa zvacho handina, asi ndine chingwa chinoera chete, ndokungewo majaya enyu acho anga achizvibata asingapinde mumba navakadzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, “Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.”
Shona 2009?
muprista akapindura Dhavhidhi, akati, "Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; koga kana majaya akazvidzora kuvakadzi."
Shona SUB 2002 Bible
Mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, “Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.”