1 Samuel 21:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akapindura muprista, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ʋakadzi ʋakadziʋiswa kwatiri sapaŋguʋa dzose kana ndicifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakaŋga dziri tȿene, kunyaŋge rwaiʋa rwendo rwamazuʋa ose harwo, ndoɗa nhasi nhumbi dzaʋo dzicaʋa tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati, “Zvirokwazvo vakadzi vanga vakaparadzaniswa nesu, sapanguva dzose kana ndofamba rwendo. Midziyo yavo mitsvene kunyange dai rwanga rwuri rwendo rusati rwuri rutsvene. Ko, kutoti hazvo iye nhasi!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akapindurawo mupristi kuti, “Ichokwadi kuti zvavakadzi izvo hatina kuzvibvumirwa semhiko yedu yatinochengeta nguva dzose patinenge toda kuenda kundorwa. Havazvin'oresewo muviri, kunyange parwendo runenge ruri rwendowo zvarwo. Ndoda kutozoti rwendo runo uru havana kumbozvin'oresa miviri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, “Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akapindura muprista, akati kwaari, "Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, “Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyangwe rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.”