1 Samuel 21:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo muprista akamupa ciŋgwa citȿene, nokuti kwakaŋga kusineciŋgwa’po, asi ciŋgwa cokuratidza, cakaŋga cabviswa pamberi paJehova, kuti ciŋgwa cinopisa ciiswe’po pazuʋa rokubviswa kwaco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka muprista akamupa chingwa chakatsaurwa, sezvo pakanga pasina chingwa kunze kwechingwa choKuvapo chakanga chabviswa pamberi paJehovha uye chikatsiviwa nechingwa chinopisa musi iwoyo wachakabviswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo mupristi uyu akamupa chingwa chinoera zvapakanga pasina chimwe chingwawo zvacho kuchingova chete nechingwa chapana Mwari, chaiti kana chabviswa pana Tenzi chobva chatsiviwawo nechimwe chingwa chinenge chichiri kudziya musi wakareyo wachabviswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
Shona 2009?
Naizvozvo muprista akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.