1 Samuel 21:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaAhimereki: Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina‐kuʋuya nomunondo waŋgu, kana nhumbi dzaŋgu dzokurwa nadzo, nokuti ɓasa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akabvunza Ahimereki akati, “Hamuna pfumo kana munondo pano here? Handina kuuya nomunondo wangu kana chimwe chombo zvacho, nokuti basa ramambo ranga riri rokukurumidza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna vaAhimereki, “Ko mune pfumowo here kana bakatwa, nokuti ini handina kumbouya nebakatwa rangu kana nechimwe chombo zvacho nokuti zvandatumwa namambo ndezvechimbichimbi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, “Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, "Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, “Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.”