1 Samuel 22:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ahimereki akapindura mambo, akati: Ndianiko pakati paʋaranda ʋenyu ʋose wakatendeka saDavidi, mukwambo wamambo, unosiraŋgana nemi, unokudzwa mumba menyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose akatendeka saDhavhidhi, mukuwasha wamambo, mukuru wavarindi venyu uye anokudzwa kwazvo mumba menyu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahimereki akapindura mambo achiti, “Pamakurukota enyu ose zvawo ndiani akatendeka saDhavhidhi, anotova mukuwasha wenyu imi mambo, mukuru mukuru wavanokuchengetedzai, anoremekedzwa kwazvo mumuzinda menyu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
Shona 2009?
Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, "Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?