1 Samuel 22:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiko nhasi kwandataŋga kumubvunzira kunaMŋari here? Haiȿa! mambo ŋgaarege hake kusundira muranda wake mhoȿa, kunyaŋge ʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu; nokuti muranda wenyu haaziʋi iɀoɀo ɀose, kunyaŋge ɀiɗuku kana ɀikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko iye nhasi ndopandatanga here kunzwira Dhavhidhi zvinhu kuna Mwari? Aiwaka! Regai zvenyu kundipa mhosva ini muranda wenyu kana kupa mhosva vose vemhuri yekwababa vangu nokuti hapana kana kai zvako kandiri kuziva panyaya iyi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zvikuru.”
Shona 2009?
Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru. "
Shona SUB 2002 Bible
Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyangwe vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyangwe zviduku kana zvikuru.”