1 Samuel 22:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kuʋanyai ʋakaŋga ʋamire naye: Tendeʋukai, muʋuraye ʋaprista ʋaJehova, nokuti maʋoko aʋo anoɓatsira Davidi, nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti watiza, asi haʋana‐kundiziʋisa. Asi ʋaranda ʋamambo ʋakaramba kutambanudzira maʋoko aʋo kuʋuraya ʋaprista ʋaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akarayira varindi vaiva padivi pake akati, “Tendeukai muuraye vaprista vaJehovha, nokuti naivowo vatsigira Dhavhidhi. Vaiziva kuti akanga achitiza, asi havana kundiudza.” Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza ruoko kuti vauraye vaprista vaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndokuti kune vokumuchengetedza vakanga vakamukuta vaya, “Navoi vapristi vaTenzi ava, vaurayei nokuti naivowo vane rimwe naDhavhidhi vakatozviziva zvavo kuti ari kutiza asi zvokuti vasvitsewo shoko irori munzeve dzangu havana.” Asi makurukota ake iye mambo zvakavapata mumwoyo kuti vasimudze ruoko kuuraya vapristi vaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, “Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa.” Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha.
Shona 2009?
Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, "Tendeukai, muuraye vaprista vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa." Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vaprista vaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, “Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa.” Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha.