1 Samuel 22:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akati kunaDoegi: Tendeʋuka iwe, uʋuraye ʋaprista. Doegi muEdomi, akatendeʋuka, akaʋuraya ʋaprista, akaparadza nomusi iwoyo ʋanhu ʋanamakumi masere naʋashanu ʋakaŋga ʋakafuka efodi yomuceka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akarayira Dhoegi akati, “Iwe, tendeuka uuraye vaprista.” Saka Dhoegi muEdhomu akatendeuka akavauraya. Pazuva iroro akauraya varume makumi masere navashanu vakanga vakapfeka efodhi yomucheka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndokuti kuna Dhoegi, “Zvino iwe chiita izvozvi uraya vapristi ava.” Dhoegi muEdhomu akabva angotiwo navo vapristi kuuraya. Musi iwoyo akauraya makumi masere avarume, navarume vashanu vapfeki veefodhi dzerineni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, “Tendeuka iwe, uuraye vapristi.” Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
Shona 2009?
Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, "Tendeuka iwe, uuraye vaprista." Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vaprista, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, “Tendeuka iwe, uuraye vapristi.” Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.