1 Samuel 22:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro wakanzwa kuti Davidi wawanikwa, iye naʋarume ʋaiʋa naye; Sauro wakaŋga agere Gibea, munyasi momuti womutamariski paRama, akaɓata pfumo rake muruʋoko rwake, naʋaranda ʋake ʋose ʋakaŋga ʋamire naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro, akabata pfumo muruoko rwake, akanga akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi pamwechete navanhu vake vaaiva navo vava kuzikanwa kwavari. Izvozvo Sauro aigara kuGibhea pamuti womutamarisiki, pfumo riri mumaoko, akakutwa namakurukota ake ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhea, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
Shona 2009?
Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.