1 Samuel 22:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro wakati kuʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋamire naye: Inzwai ɀino, imi ʋaBenjamini! Mŋanakomana waJese ucakupai mose minda neminda yemizambiriŋga here? Ucakuitai mose ʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akati kumakurukota ake aya akanga akamukuta, “Teererai munzwe imi vaBhenjamini! Heya munoti, iye mwanakomana waJese angabva akutii mose mukwane minda nemimwewo yemigirepisi nhai? Munofunga kuti achakupai mose zvigaro zvokutungamirira zvikwata zvezviuru nezvikwata zvamazana here,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, “Inzwai zvino, imi vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemidzambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
Shona 2009?
Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, “Inzwai zvino, imi vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?