1 Samuel 22:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀamandiraŋgana mose, ɀakusinomumŋe unondiziʋisa kana mŋanakomana waŋgu akaita suŋgano nomŋanakomana waJese, ɀakusinomumŋe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondiziʋisa kuti mŋanakomana waŋgu wakamutsa muranda waŋgu kuti andimukire, andiʋandire, seɀaanoita nhasi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndizvo here zvaita kuti imi mose murangane kundimukira? Hakuna anondiudza nguva inoita mwanakomana wangu sungano nomwanakomana waJese. Hakuna kana mumwe wenyu ane hanya neni kana anondizivisa kuti mwanakomana wangu akarunzira muranda wangu kuti andivandire, sezvaanoita nhasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvamadai kundimukira mose? Hezvi mwanakomana wangu anoita bangano nomwanakomana waJese, hapana kana mumwechete wenyu anondiudza. Hakuna ane hanya neni, kana anondirumawo nzeve kuti mwana wangu akasoka gurukota rangu zano rokundihwandira zviripo nhasi izvi!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?”
Shona 2009?
Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusina mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?”