1 Samuel 23:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi naʋanhu ʋake, ʋaneŋge mazana matanhatu, ʋakasimuka, ʋakabva Keira, ʋakafamba‐famba haʋo. Sauro akaʋudzwa kuti Davidi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuenda’ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi navarume vaikarosvika mazana matanhatu vaaiva navo vakasimuka vakaenda kwose kwose kwavainge vangokwanisa kuenda. Sauro paakanzwa kuti Dhavhidhi atiza kuKeira akabva arega kuendako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba‐famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba–famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.