1 Samuel 23:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Usatya, nokuti ruʋoko rwaɓaɓa ʋaŋgu Sauro haruŋgakuwani; ucaʋa mambo waIsraeri, neni ndicaʋa muɗuku kwauri; naɓaɓa ʋaŋgu Sauro ʋanoɀiziʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamuti, “Usatye zvako nokuti baba vangu havambofa vakakunonga. Iwe ndiwe uchatova mambo weIsiraeri iniwo ndiri mutevedzeri wako. Baba vangu Sauro vanotozvizivawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo waIsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.”
Shona 2009?
Akati kwaari, "Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo waIsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.”