1 Samuel 23:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro naʋanhu ʋake ʋakaenda kundomutȿaka. Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; naiɀoɀo akaɓurukira kuɗombo, akandogara murenje reMaoni. Ɀino Sauro wakati aciɀinzwa, akateʋera Davidi kurenje reMaoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro navarume vaaiva navo vakaenda kundomuvhima. Vamwewo ndokunyevera Dhavhidhi, iye ndokubva adzika kumangondo kurenje reMaoni. Shoko iri parakasvika munzeve dzaSauro, akabva aronda Dhavhidhi kurenje reMaoni ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible