1 Samuel 23:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akaʋudzwa kuti Davidi waȿika Keira. Sauro akati: Mŋari wamuisa muruʋoko rwaŋgu, nokuti wazaririrwa’mo, ɀaapinda muguta rinamasuʋo neɀipfigiso.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga aenda kuKeira, ndokuti, “Mwari amuisa muruoko rwangu, nokuti Dhavhidhi azvipfigira zvaapinda muguta rina masuo namazariro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko rakazosvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ava muKeira. Sauro ndokuti, “Zvino Mwari amuisa mumaoko mangu. Kupinda kwaaita muguta rine misuo mikuru ine zvihuri kutozvipfigira kwaaita ikoko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, “Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso.”
Shona 2009?
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, "Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso."
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, “Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rina masuwo ezvipfigiso.”