1 Samuel 24:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, zuʋa rino meso enyu akaʋona kuti Jehova wakakuisai nhasi mumaʋoko aŋgu muɓako; ʋamŋe ʋakati ndikuʋurayei, asi ndakakuregai, ndikati: Handiŋgatambanudzi ruʋoko rwaŋgu kunashe waŋgu, nokuti ndiye muzodzwa waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nhasi mazvionera nameso enyu kuti Jehovha akuisai sei mumaoko angu muri mubako. Vamwe vandikurudzira kuti ndikuurayei, asi ndakuregererai, ndikati, ‘Handingasimudzi ruoko rwangu pamusoro patenzi wangu, nokuti ndiye muzodziwa waJehovha.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhasi mazvionerawo moga kuti Tenzi anga atokuisai zvake mumaoko angu mubako umu, vamwe vanga vatoti ndikuurayei asi handina kukukuvadzai ndichiti, ‘Handidi kusimudza ruoko rwangu kuita chinhu chisina kunaka kuna tenzi wangu, nokuti muri muzodzwa waTenzi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, ‘Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.’
Shona 2009?
Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, `Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, zuva rino meso enyu aona kuti Jehovha wakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, ‘Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.’