1 Samuel 24:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɓaɓa ʋaŋgu, tarirai, hoyo mupendero weŋguʋo yenyu muruʋoko rwaŋgu; nokuti ɀandakagura mupendero weŋguʋo yenyu, ndikasakuʋurayai, muziʋe, muʋone, kuti hakunecakaipa kana kuɗarika kwandiri; handina‐kukutadzirai, kunyaŋge makandivima kuti munditorere ʋupenyu bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, baba vangu, tarirai benga renguo yenyu riri muruoko rwangu! Ndacheka kona yenguo yenyu asi handina kukuurayai. Zvino chinzwisisai muzive kuti handina mhosva yokukuitirai zvakaipa kana kukumukirai. Handina kukutadzirai, asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwaika baba, tarisai muone chipenga chehanzu yenyu ichi chandakabata mumaoko. Nokucheka kwandaita chipenga chehanzu yenyu ichochi ndichirega zvangu kukuurayai muri kutoonawo zvinonyatsokuratidzai kuti hapana chakaipa kana upanduki mandiri, uye hapana chandakakutadzirai kunyange zvazvo imi muchindihwandira kuda kundiuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
Shona 2009?
Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyangwe makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.