1 Samuel 24:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaȿika pamataŋga amakwai panzira pakaŋga paneɓako, Sauro akapinda’mo kuti afukidze tsoka dzake. Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋagere mukati‐kati meɓako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akasvika pamatanga amakwai munzira iyoyo; pakanga pane bako, uye Sauro akapindamo kuti azorore. Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari mukati kati mebako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akasvika napamatanga ehwai aiva pedyo nenzira paiva nebako. Sauro akapindamo kuti ambozvibatsira zvake. Izvozvo Dhavhidhi navanhu vake vaitova zvavo mukatikati chaimo mebako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati‐kati mebako.
Shona 2009?
Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
Shona SUB 2002 Bible
Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati–kati mebako.