1 Samuel 24:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋaDavidi ʋakati kwaari: Iri ndiro zuʋa ramakaʋudzwa naJehova, aciti: Tarira, ndicaisa muʋeŋgi wako muruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ipapo Davidi akasimuka, akagura mupendero weŋguʋo yaSauro iye asiŋgaziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, ‘Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguo yaSauro iye asingazivi.
Shona 2009?
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, "Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, `Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.' " Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, ‘Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguo yaSauro iye asingazivi.