1 Samuel 24:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kuʋanhu ʋake: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kuitira ishe waŋgu, muzodzwa waJehova, cinhu cakaɗai, nditambanudzire ruʋoko rwaŋgu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.”
Shona 2009?
Akati kuvanhu vake, "Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.”