1 Samuel 25:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kuʋanhu ʋake: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋge munondo wake; mumŋe nomumŋe akasuŋga munondo wake; naiye Davidi ʋo akasuŋga munondo wake; ʋarume ʋaneŋge mazana manna ʋakateʋera Davidi, ʋanamazana maʋiri ʋakasara panhumbi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;” mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, "Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;" mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;” mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.