1 Samuel 25:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mumŋe wamajaya wakandoʋudza Abigairi, mukadzi waNabari, akati: Tarirai, Davidi wakaŋga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi weɗu; iʋo ʋakaʋatuka kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, “Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
Shona 2009?
Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, "Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, “Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.