1 Samuel 25:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ciziʋai mufuŋge ɀamuŋgaita, nokuti tenzi weɗu naʋose ʋeimba yake ʋagara ʋafuŋgirwa ɀakaipa; nokuti munhu wakaiȿo‐ipa wakaɗaro, kuti hakunomunhu uŋgagona kutaura naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.”
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye."
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.”