1 Samuel 25:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Abigairi akakurumidza kutora ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namatende maʋiri ewaini, namakwai mashanu akaŋga agadzirwa, neɀiyero ɀishanu ɀeɀiyo ɀakakaŋgwa, namasumbu amazambiriŋga akawoma anezana, namapundu amaʋonde anamazana maʋiri, akaɀiisa pamsoro pemboŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanua zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhigairi akabva aita chimbichimbi kutora mazana maviri ezvingwa nezvigubhu zviviri zvewaini nehwai shanu dzakavhiyiwa, namabhagidhi maviri embesanwa dzakakangwa, nezana rezvisumbu zvamagirepisi akaomeswa namazana maviri ezvambwa zvamakuyu, akazvitakudza pamadhongi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amadzambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
Shona 2009?
Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.