1 Samuel 25:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kumajaya ake: Ndituŋgamirirei, tarirai, ndinokuteʋerai. Asi haana‐kuʋudza murume wake Nabari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Shona 2009?
Akati kumajaya ake, "Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai." Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.