1 Samuel 25:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paMaoni pakaŋga panomunhu, waiʋa nefuma yake paKarmeri; munhu uyu wakaŋga ari mukuru kwaɀo, wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀitatu, nembudzi dzinecuru cimŋe; iye wakaŋga aciʋeʋura makwai ake paKarmeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, akanga achiveura paKarimeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwaiva nomumwewo murume wokuMaoni aiva nebasa rake kuKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga aine zviuru zvitatu zvehwai nechiuru chembudzi. Akanga achiveura hwai dzake kuKarimeri ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nepfuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri.
Shona 2009?
Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nepfuma yake paKameri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKameri.