1 Samuel 25:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakaŋga ati: Ɀirokwaɀo, ndaiceŋgeta haŋgu ɀinhu ɀose ɀomunhu uyu nhandu murenje, hakunecinhu cimŋe cake cakarashika; akanditsiʋa neɀakaipa paneɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarashika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakanga ati, "Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu mhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.