1 Samuel 25:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, ishe waŋgu, naJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, ɀaari Jehova wakakudziʋisai kuteʋura ropa nokuɀitsiʋa noruʋoko rwenyu, naiɀoɀo ɀino ʋaʋeŋgi ʋenyu naʋanotȿaka kuitira ishe waŋgu ɀakaipa, ŋgaʋaʋe saNabari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye pakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha akakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.