1 Samuel 25:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, ishe waŋgu, cipo ici camakaʋigirwa nomurandakadzi wenyu, ŋgacipiwe haco majaya anoteʋera ishe waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
Shona 2009?
Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.