1 Samuel 25:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
murege kuɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, ʋuye ishe waŋgu arege kuɀidya mŋoyo, nokuti makateʋura ropa risinemhoȿa, kana nokuti ishe waŋgu wakaɀitsiʋa; ɀino kana Jehova aciŋge aitira ishe waŋgu ɀakanaka, muraŋgarire ʋo murandakadzi wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.”
Shona 2009?
murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.”