1 Samuel 25:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abigairi akaȿika kunaNabari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakaŋga wakafanana nomutambo wamambo; mŋoyo waNabari wakaŋga wakafara mukati make, nokuti wakaŋga aɓatwa kwaɀo; naiɀoɀo haana‐kumuʋudza cinhu, kunyaŋge ciɗuku kana cikuru, kuȿikira maŋgwana kwoedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhigairi akasvika kuna Nabhari wanei Nabhari ari pakati pamabiko mumba make, aitenge mabiko amambo chaiwo. Izvozvo Nabhari akanga ofara kwazvo apera zvake kudhakwa. Saka haana kana kumutaurira chinhu kusvikira kwaedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo; mwoyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza.
Shona 2009?
Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo; moyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana koedza.
Shona SUB 2002 Bible
Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo; mwoyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyangwe chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza.