1 Samuel 25:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakati anzwa kuti Nabari wafa, akati: Jehova ŋgaakudzwe wakanditsiʋa pakuɀidzwa kwaŋgu naNabari, akadziʋirira muranda wake kuti arege kuita ɀakaipa; ɀakaipa ɀaNabari Jehova wakaɀidzosera pamusoro wake. Ipapo Davidi akatuma nhume kunaAbigairi kukumbira kuti aʋe mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari afa akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi anditsivira Nabhari kutsvinya kwaakandiitira, akaitawo kuti ini muranda wake ndirege kuita chakaipa. Tenzi akaita kuti Nabhari apfukirwe nouipi hwake.” Dhavhidhi akabva atumira vanhu kundotaurirana naAbhigairi kuti ave mukadzi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, “Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, "Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake." Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, “Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha akazvidzosera pamusoro wake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.