1 Samuel 26:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati: NaJehova mupenyu, Jehova ndiye ucamuʋuraya; ɀimŋe zuʋa rake rokufa ricaȿika, ɀimŋe ucaɓurukira kundorwa akaparadzwa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati, “NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati, "NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati, “NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.