1 Samuel 26:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaAbineri: Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuʋaIsraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumŋe munhu wakaŋga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi ndokuti kuna Abhuneri, “Hausi mukono here iwe? Ndiani angamboenzaniswa newe muIsiraeri? Zvino warega seiko kuchengeta mambo, tenzi wako? Zvakuine mumwe munhu wani asvikako achida kuparadza mambo, tenzi wako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Abhineri, “Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Abhineri, "Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Abhineri, “Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuVaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.