1 Samuel 26:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ici cinhu cawaita hacina‐kunaka. NaJehova mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna‐kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehova. Ɀino citarira, pfumo ramambo neciroŋgo cemvura cakaŋga ciri pamusoro wake ɀiripiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvawaita izvi hazvina kunaka. NaTenzi chaiye mupenyu munofanira kufa nokuti hamuna kuchengeta mambo tenzi wenyu, muzodzwa waTenzi. Chimbotarisa uone pfumo ramambo nechigubhu chake chemvura zvanga zviri kumusoro kuti zviri kupi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?”
Shona 2009?
"Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?"
Shona SUB 2002 Bible
“Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?”