1 Samuel 26:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ishe waŋgu mambo ciɗonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehova wakakukurudzirai kurwa neni, ŋgaapiwe cipiriso; asi kana ʋari ʋana ʋaʋanhu, ŋgaʋaʋe ʋakatukwa pamberi paJehova, nokuti ʋakandidziŋga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehova, ʋaciti: Enda, undoshumira ʋamŋe ʋamŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Mambo, chimbonzwaiwo zvandava kutaura ini muranda wenyu kwamuri changamire. Kana ari Tenzi ari kukupai mweya wokundimukira uyu, dai angogamuchira zvake mupiro, asi kana vari vanhu Tenzi ngaavaone nokuti ndokutondidzinga kwavakaita ikoku zvandiri nhasi vachinditadzisa kuti ndiwanewo chandingawana panhaka yatakapiwa naTenzi vachiti ndibve ndiende kundonamata vamwe vamwari vasirivo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, ‘Enda, undoshumira vamwe vamwari.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, `Enda, undoshumira vamwe vamwari.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha akakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, ‘Enda, undoshumira vamwe vamwari.’