1 Samuel 26:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akati: Ndatadza, dzoka hako, mŋana waŋgu Davidi, nokuti handicazokuitiri ɀakaipa, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgakaŋga bgucikosha pameso ako nhasi; tarira, ndaita seɓenzi, ndatadza kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akati, “Ndakanganisa chidzoka zvako mwanangu Dhavhidhi. Handina chimwe chakaipa chandichaita kwauri nokuti waona upenyu hwangu huri chinhu chakakosha kwauri nhasi. Hezvika ndaita zvoupenzi chaizvo, ndatadza kwazvo!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akati, “Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.”
Shona 2009?
Ipapo Sauro akati, "Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akati, “Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.”