1 Samuel 26:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akapindura, akati kunaAhimereki muHeti, nokunaAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, akati: Ndianiko ucaɓuruka neni kunaSauro kumisasa? Abishai akati: Ini ndicaɓuruka nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi aikurukura naAhimereki muHiti naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruia ndokuti, “Ndiani angade kuenda neni kumatendhe aSauro?” Abhishai akati, “Ini zvangu, ndini ndichaenda nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, akati, “Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa?” Abhishai akati, “Ini ndichaburuka nemi.”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu, akati, "Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa?" Abhishai akati, "Ini ndichaburuka nemi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu, akati, “Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa?” Abhishai akati, “Ini ndichaburuka nemi.”