1 Samuel 26:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Abishai akati kunaDavidi: Nhasi Mŋari wakaisa muʋeŋgi wako pamaʋoko ako; naiɀoɀo nditendere ndimuɓayire pasi nepfumo kamŋe cete, handiŋgamuɓayi rwecipiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.”
Shona 2009?
Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, "Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwechete, handingamubayi rwechipiri.”