1 Samuel 27:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati mumŋoyo make: Mumŋe musi ndicaparadzwa haŋgu noruʋoko rwaSauro; ɀirinani kwaɀo kwandiri kuti nditizire kunyika yaʋaFiristia; Sauro ucazoʋora mŋoyo pamsoro paŋgu, akarega kunditȿaka panyika yose yaIsraeri; saiɀoɀo ndicapukunyuka paruʋoko rwake
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Dhavhidhi akafunga mumwoyo make, akati, “Rimwe ramazuva ano ndichaparadzwa noruoko rwaSauro. Chinhu chiri nani chandingaita ndechokutizira kunyika yavaFiristia. Ipapo Sauro acharega kunditsvaka muIsraeri yose, uye ndichapukunyuka muruoko rwake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati mumwoyo make, “Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora mwoyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, "Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati mumwoyo make, “Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora mwoyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.”