1 Samuel 27:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi haana‐kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti aʋuye naʋo paGati, aciti: Ŋgaʋarege kutiʋudzisira, ʋaciti: Davidi wakaita ɀokuti neɀokuti, ndiyo tsika yake ŋguʋa yose acigere munyika yaʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haana kusiya murume kana mukadzi ari mupenyu kuti auye navo kuGati, nokuti akafunga mumwoyo make kuti, “Vangazotirevera vachiti, ‘Izvi ndizvo zvaitwa naDhavhidhi.’ ” Uye aya ndiwo akanga ari maitiro ake pakugara kwake kwose munyika yavaFiristia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, “Ngavarege kutiudzisira, vachiti, ‘Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.’ ”
Shona 2009?
Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, "Ngavarege kutiudzisira, vachiti, `Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.' "
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, “Ngavarege kutiudzisira, vachiti, ‘Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.’ ”