1 Samuel 27:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati kunaAkishi: Ɀino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ŋgandipiwe haŋgu pokugara panerimŋe guta renyika ino, ndigare’po, nokuti muranda ucagarireiko pamuzinda pamŋe cete nemi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, regai ndipiwe hangu nzvimbo mune rimwe ramaguta omunyika kuti ndigareko. Muranda wenyu angagara seiko muguta ramambo nemi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, "Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?”