1 Samuel 28:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino namazuʋa iwayo ʋaFiristia ʋakaʋuŋganidza hondo dzaʋo kuzorwa naʋaIsraeri. Akishi akati kunaDavidi: Ziʋa kwaɀo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe naʋanhu ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo vaFiristia vakaunganidza varwi vavo kuti vazorwa navaIsraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Unofanira kunzwisisa kuti iwe navanhu vako muchaenda neni kuhondo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo vaFirisitia vakakokorodza hondo dzavo kundorwisa Isiraeri. Akishi akataurira Dhavhidhi achiti, “Unozvizivaka kuti iwewe navanhu vako mucharwa muri kudivi rokwangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.”
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, "Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa naVaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.”