1 Samuel 28:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati kunaSauro: Wanditambudzireiko ucindikwidza? Sauro akapindura, akati: Ndinotambudzika kwaɀo; nokuti ʋaFiristia ʋanorwa neni, naMŋari wabva kwandiri, haacatoŋgondipinduri, kunyaŋge naʋaprofita, kana nokurota; naiɀoɀo ndakuɗanai imi, kuti mundiziʋise ɀandinofanira kuita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akati kuna Sauro, “Seiko wanditambudza nokundimutsa?” Sauro akati, “Ndiri kutambudzika zvikuru. VaFiristia vari kurwa neni, uye Mwari abva kwandiri. Haachandipinduri, navaprofita kana nokurota. Saka ndakudanai imi kuti muzondiudza zvokuita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akati kuna Sauro, “Ko wandinetsereiko nokundidaidza?” Sauro akati, “Ndapinda pfumvu chaiyo ini nokuti vaFirisitia vari kundirwisa, ukuwo Mwari andifuratira. Haachambondipa mhinduro kunyange navaporofita kana muzviroto. Ndokusaka ini ndakudaidzai kuti mundiudze zvokuita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akati kuna Sauro, “Wanditambudzireiko uchindikwidza?” Sauro akapindura akati, “Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.”
Shona 2009?
Samueri akati kuna Sauro, "Wanditambudzireiko uchindikwidza?" Sauro akapindura akati, "Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita."
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akati kuna Sauro, “Wanditambudzireiko uchindikwidza?” Sauro akapindura akati, “Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyangwe navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.”