1 Samuel 28:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova ucaisa ʋaIsraeri pamŋe cete newe mumaʋoko aʋaFiristia; maŋgwana iwe naʋanakomana ʋako mucaʋa neni; Jehova ucaisa hondo yaʋaIsraeri mumaʋoko aʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achaisa vaIsraeri pamwe chete newe kuvaFiristia, uye mangwana iwe navanakomana vako muchava neni. Jehovha achaisazve hondo yavaIsraeri kuvaFiristia.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwezve ndechokuti Tenzi achaisa vaIsiraeriwo pamwechete newe mumaoko avaFirisitia. Mangwana chaiwo iyewe navana vako vakomana muchange muineni. Tenzi achaisawo hondo yeIsiraeri mumaoko evaFirisitia.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha uchaisa VaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yaVaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”