1 Samuel 28:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsiʋama, akatya kwaɀo pamsoro pamashoko aSamueri; kwakaŋga kusinesimba maari, nokuti wakaŋga asina‐kudya ɀokudya zuʋa iro rose, kunyaŋge noʋusiku bgose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo Sauro akawira pasi akazvambarara, azara nokutya nokuda kwamashoko aSamueri. Simba rake rakapera, nokuti akanga asina chaakanga adya zuva rose nousiku hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo Sauro akati pasi rabada nokutya zvakataurwa naSamueri. Simba rake rakanga rapera nokuti akanga apedza muswere wose iwoyo nousiku ihwohwo hwose asina chaadya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
Shona 2009?
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyangwe nousiku hwose.